Acts 9:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Rida ɀawakaŋga uri pedyo neJopa, ʋadzidzi ʋakati ʋanzwa kuti Petro uri’po, ʋakatumira kwaari ʋanhu ʋaʋiri, kuti ʋandokumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Usanonoka hako kuʋuya kwatiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Ridha zvayaiva pedyo neJopa, vadzidzi pavakanzwa kuti Pita ariko vakatuma varume vaviri kwaari kundomukumbira vachiti, “Uyai kwatiri nokukasira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.”
Shona 2009?
Zvino Ridha zvawakanga uri pedo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Peturo uripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti: Usanonoka hako kuvuya kwatiri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.”