Acts 9:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro akasimuka pasi; asi aciȿinudza meso ake, haana‐kuʋona cinhu; ʋakamuɓata ruʋoko, ʋakaenda naye Damasko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasiko.
Shona 2009?
Zvino Sauro akasimuka pasi; asi achisvunudza meso ake, haana kuvona chinhu; vakamubata ruvoko, vakaenda naye Dhamaseko.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasikosi.