Amos 1:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Edomi ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakateʋerera munuŋuna waʋo nomunondo, ʋakarasha tsitsi dzose, kutsamŋa kwake kukaramba kuciŋgobvambura, akaramba anehasha nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa munun'una wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimika,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yeEdhomu kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga, nokuti yakaronda hama dzayo namapakatwa, zvetsitsi yakakanda pasi, yakaramba achingoviruka nehasha yakaramba iine pfundipfundi mumwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakateverera munun'una wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakateverera munun'una wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Edhomu akadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwake; nokuti akateverera munun'una wake nomunondo, akarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.