Amos 1:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Damasko ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapura Gireadi nemipuro yamatare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
TENZI ari kuti, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweDhamasikusi kutosvika runa handimborega kuiranga, nokuti vakakuya vanhu vokuGireadhi nezvirhei zvesimbhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Gireadhi nemipuro yamatare.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriyadhi nemipuro yamatare.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriadhi nemipuro yamatare.