Amos 1:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicavuna cipfigiso ceDamasko, nokuparadza ʋagere mumupata weAveni nowakaɓata tȿimbo yoʋushe paBeti‐Edeni; ʋanhu ʋeSiria ʋacatapirwa Kiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichatyora zvihuri zveDhamasikusi ndigotsakatisa vagari vomubani reAvheni naiye ane umambo kuBhetiedheni. Vanhu veSiria vachatapwa vachiendeswa kunyika yeKiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni noakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni nowakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichavhuna chihuri cheDhamasikosi, nokuparadza vagere mumupata weAvheni nowakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.