Amos 1:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Tire ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakaisa rudzi rwose kunaEdomi ʋakasaraŋgarira suŋgano yoʋukama bgaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, vakasacherechedza sungano youkama,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweguta reTire kutosvika runa, handimborega kuriranga; nokuti vakakukura kutapa vanhu, rudzi rwose rwavanhu vakaenda narwo kuEdhomu vachirega kurangarira chibvumirano chavakaitirana paukama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Taya yakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwayo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.