Amos 2:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Moabi ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapisa mafupa amambo waEdomi kuȿikira aita maɗota.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yeMoabhu kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga nokuti vakapisa zvokurotesa mapfupa amambo wokuEdhomu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Moabhu vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.