Amos 2:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Juda ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakaramba murairo waJehova, ʋakasaceŋgeta mitemo yake, ʋakarashiswa nenhema dzaʋo dzakateʋerwa namadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yokwaJudha kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga; nokuti vakaramba mutemo waTENZI vakarega kuchengeta mirao yake. Asi zvifananidzo zvavo zvenhema zvokunamata izvi, zvaitevedzwa namadzibaba avo, zvakavarasisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murairo waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.