Amos 3:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Mufudzi seɀaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maʋiri kana cipande cenzeʋe, saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋacabvutwa ʋo, iʋo ʋagere Samaria pamuceto woʋuʋato, ʋuye pamitsamiro yemiceka yesiriki yomubeda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve, vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo, avo vanogara muSamaria pamicheto yemibhedha yavo, nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvanzi naTENZI, “Sokununura kunoita mufudzi mukanwa meshumba, makumbo zvawo maviri echipfuwo kana kuti kadimbu kenzeve, ndozvichangoitwawo vanhu veIsiraeri vanogara muSamaria vachinunurwa vari pakakona kesofa kana pachidimbu chomubhedha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana vaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana vaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana VaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha.