Amos 3:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaputsa dzimba dzecando pamŋe cete nedzimba dzezhezha; dzimba dzenyaŋga dzenzou dzicaparadzwa, ʋuye dzimba huru dzicapera — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaparadza imba yenguva yechando, pamwe chete neimba yenguva yechirimo; dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa uye dzimba huru dzichaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaparadza dzimba dzokugara mumwaka wechando nedzimba dzapazhizha nedzimbawo dzomunyanga wenzou dzichaparara, uye dzimba dzakawanda dzichaparara.” Ndizvo zviri kutaura TENZI.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzezhizha; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzemunakamwe; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzezhizha; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.