Amos 4:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa seɀaɀakaitwa Egipita; majaya enyu ndakaaʋuraya nomunondo, ndikatapa mabiza enyu; ndakaȿitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakatumira hosha pakati penyu sezvandakaita kuIjipiti. Ndakauraya majaya enyu nomunondo, pamwe chete namabhiza enyu akapambwa. Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuwa kwemisasa yenyu, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndakatumira nhamo pakati penyu sedzandakatumira kuIjipiti, ndakauraya majaya enyu namapakatwa pamwechete nokupamba mabhiza enyu ndikaitawo kuti gutukutu rapamusasa wenyu wamatendhe rindimuke richiita gutukutu kunhuhwa mumhuno dzenyu iyemi. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
"Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndakatuma pakati penyu chirwere chakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyangwe zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.