Amos 4:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mŋari seɀaakaparadza Sodoma neGomora, imi mukaita secitsika cakabvutwa pamŋoto; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakaparadza vamwe venyu sokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora. Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndakatsakatisa vamwe venyu sezviya zvakaita Mwari achiparadza guta reSodhomu nereGomora. Izvozvo imi mainge chitsiga chomoto chaburwa mumoto. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imi mukaita sechitsika chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
"Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imwi mukaita sechitsiga chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imi mukaita sechitsika chakabvutwa pamoto; kunyangwe zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.