Amos 5:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, iye Mŋari wehondo, iye Ishe: Kucema kucaʋa’po panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha ʋacati: Maiwe! Maiwe! Ʋacaɗana ʋarimi kuzocema, naʋanoziʋa nziyo dzemariro kuzowuŋgudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Mwari Wamasimba Ose, “Muchava nokuchema mumigwagwa yose nemhere yokurwadziwa pazvivara zvose. Varimi vachadanwa kuti vazochema uye vanochema vazoungudza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTENZI, Mwari wehondo nehondo iye TENZI, “Munhandare dzose zvadzo muchange muchihwihwidzwa kuchema, mumigwagwa yomuguta yose zvayo vachati, ‘Yowe maiwe-e!’ Vachadaidza varimi kundochema vachadaidzawo vebasa rokuhwihwidza kuzoungudza,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, “Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, ‘Maiwe! Maiwe!’ Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, "Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, `Maiwe! Maiwe!' Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, “Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, ‘Maiwe! Maiwe!’ Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.