Amos 5:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mhandara yaIsraeri yawira pasi; haaŋgazomuki ɀe; wawiswa pasi panyika yake, hakuna‐uŋgamumutsa ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Yawira pasi Mhandara Israeri, haingazosimukizve, akasiyiwa ari oga munyika yake, pasina angamusimudza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Isiraeri, waparara, zvokumukazve hapasisina, wava mhandara yarambwa, uri munyika mako imomo usisina kana newokukusumudzawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mhandara yaIsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
Shona 2009?
Mhandara yalsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
Shona SUB 2002 Bible
Mhandara yaIsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.