Amos 5:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
tsakai iye, wakaita nyeredzi dzeCimutanhatu nedzeOrioni, unoshandura mumvuri worufu aciuita maŋgwanani, unodzima masikati aciaita ʋusiku, unoɗana mvura yeguŋgwa, ndokuiɗururira panyika (Jehova ndiro zita rake);
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni, anoshandura rima richiva mambakwedza, uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku, anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika, Jehovha ndiro zita rake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akasika nyenyedzi dzechinyamutanhatu nedzegwara ravatonga; iye anosandura rima rakati kwirindindi kuti rive mangwanani zvavo achiita kuti masikati ave usiku, iye anodaidza mvura yegungwa achiidira pasi panyika, zita rake iyeyo, ndiYahweh,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
tsvakai iye, akaita nyeredzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);
Shona 2009?
tsvakai iye, akaita nyeredzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);
Shona SUB 2002 Bible
tsvakai iye, akaita nyenyedzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);