Amos 6:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana hama yomunhu wakafa iciʋuya kumutora, iye unozomupisa, icibvisa mafupa mumba, ikati kunouri mukati‐kati meimba: Kucinomumŋe newe here? iye akati: Kwete! ipapo ucati: Nyarara, nokuti haɀina‐kufanira kuti tireʋe zita raJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama yomunhu yomumba chaiyo inomuviga yacho, paichauya kuzotakura zvitunha mumba imomo, ikabvunza anenge akahwandamo mukatikati kuti, “Muchine mumwe here asara?” Iye achati, “Kwete.” Uyewo uya achabva ati, “Taurira pasi! Kana kudoma zita raTENZI, ngatiregei.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, “Kuchinomumwe newe here?” Iye akati, “Kwete!” Ipapo uchati, “Nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.”
Shona 2009?
Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, "Kuchinomumwe newe here?" Iye akati "Kwete! ipapo uchati "nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati–kati meimba, “Kuchinomumwe newe here?” Iye akati, “Kwete!” Ipapo uchati, “Nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.”