Amos 6:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai, ndicakumutsirai rumŋe rudzi, imi imba yaIsraeri‐ndiɀo ɀinotaura Jehova, iye Mŋari wehondo; rucakutambudzai kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira kurukoʋa rwerenje.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri, ruchakutambudzai panzira yenyu yose, kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka chinzwai munzwe, TENZI Mwari wehondo nehondo ari kuti, “Imi vemba yaIsiraeri ndichakumutsirai rudzi rwavanhu vachakudzvanyirirai kubvira tava kuda kupinda muguta reHamati, kusvikira kuKakova keArabha.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imi imba yaIsiraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
Shona 2009?
"Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imwi imba yaIsiraeri," ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imi imba yaIsiraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.