Amos 7:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Amazia muprista weBeti‐eri wakatuma nhume kunaJeroboami mambo waIsraeri, aciti: Amosi wakaraŋgana pakati peimba yaIsraeri kuku ʋurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Amaziya, mupristi wokuBhetieri, akatumira shoko kuna Jerobhoamu, mambo wokwaIsiraeri, rokuti, “Amosi ari kukupandukirai mukati memba yevokwaIsiraeri. Zvose zviri kubuda pamuromo pake apa, nyika haichagona kutakurana nazvo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Amazia mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, “Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
Shona 2009?
Zvino Amazia muprista weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, "Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Amaziya mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoamu mambo waIsiraeri, achiti, “Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.