Amos 7:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Mukadzi wako ucaʋa cifeʋe muguta, ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako ʋacaparadzwa nomunondo, ʋuye nyika yako icaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe umene ucafira munyika isakanaka, ʋuye ʋaIsraeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yavahedheni, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTENZI, ‘Mudzimai wenyu achava pfambi muguta muno, vana venyu vakomana navasikana vachafa rufu rwepfumo Nyika yenyu imi ichagovanwa. Iyemi pachenyu muchafira kunyika yakan'ora, uye vaIsiraeri vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”
Shona 2009?
naizvozvo zvanzi naJehovha, `Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe womene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.' "
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa notambo yokuyeresa narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye VaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”