Amos 7:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarirai, Ishe Jehova wakaɗana mŋoto kuti arwe nawo; ukapedza guŋgwa rakadzika, ukaʋaʋarira kudya nenyika ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
TENZI Mwari akandionesazve chimwe chiratidzo. Muchiratidzo ichocho TENZI Mwari akanga achigadzirira kuranga vanhu nomoto. Moto iwoyu wakapisa hwenje hwegungwa ndokubva wanhanhirawo kundopisa nyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
Shona 2009?
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
Shona SUB 2002 Bible
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.