Amos 7:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kwandiri: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Rwonzi rwokuyera narwo. Ɀino Ishe akati: Tarirai, ndicaisa rwonzi rwokuyera pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
TENZI akanditi, “Nhai Amosi, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Tambo yokuera nayo kutwasuka.” TENZI ndokubva ati, “Chinzwa, ndava kuisa tambo yokueresa nayo kutwasuka pakati pavanhu vangu vaIsiraeri Handichazombofazve ndakapfuura napavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kwandiri, “Amosi unooneiko?” Ini ndikati, “Rwonzi rwokuyera narwo.” Zvino Ishe akati, “Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve;
Shona 2009?
Jehovha akati kwandiri, "Amosi unooneiko?" Ini ndikati, "Rwonzi rwokuyera narwo." Zvino Ishe akati, "Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve,
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kwandiri, “Amosi unooneiko?” Ini ndikati, “Tambo yokuyeresa nayo.” Zvino Ishe akati, “Tarirai, ndichaisa tambo yokuyeresa pakati pavanhu vangu VaIsiraeri, handichatongovadarikizve;