Amos 8:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicashandura mitambo yenyu kuʋe kucema, nenziyo dzenyu dzose kuʋe kurira kwokucema; ndicafukidza ɀiʋuno ɀose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndicaɀiita sapanocemŋa mŋanakomana wakaɀarwa ari mumŋe cete, nokuguma kwaɀo sezuʋa rakaipa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mazuva enyu makuru ndichaasandura achiva okuchema, nziyo dzenyu dzose dzive kuungudza. Ndichaita kuti musungire mitikisha yamasaga muchiuno muveure misoro yenyu mose mugoita savanhu vanochema mwana wavo wechikomana mumwechete, zuva iroro richapera ichingova nhamo chete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kwokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.
Shona 2009?
Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kwokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.