Amos 8:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanopika neɀiʋi ɀeSamaria, ʋaciti: Namŋari wako mupenyu, iwe Dani; ʋuye, Nenzira yeBeeri‐sheba mhenyu, iʋo ʋacawira pasi, ʋakasazomuka ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti, ‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’ vachawa, vakasazomukazve.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanopika naAshima chifananidzo chokunamata chokuSamaria vachitoti, ‘Namwari wenyu chaiye mupenyu imi vokuDhani,’ kana kutoti, ‘Naiye anonamatwa mupenyu womunzira yokuBheerishebha,’ ivavo vachaputsika vasingazombofa vakamuka zvakare.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanopika vezvivi zveSamaria, vachiti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.’ ”
Shona 2009?
Vanopika vezviwi zveSamaria, vachiti, `Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.' "
Shona SUB 2002 Bible
Vanopika vezvivi zveSamaria, vachiti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.’ ”