Amos 8:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha. Ɀino Jehova akati kwandiri: Kuguma kwaȿikira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Amosi chauri kuona chii?” Ini ndikati, “Tswanda yemichero yomuzhizha.” TENZI akanditi, “Vanhu vangu vaIsiraeri, zvino pavo pazovaperera, rwendo runo zvokunge ndichavadarika hapasisina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Amosi, unooneiko?” Ini ndikati, “Tswanda inezvibereko zvezhizha.” Zvino Jehovha akati kwandiri, “Kuguma kwasvikira vanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve.
Shona 2009?
Akati, "Amosi, unooneiko?" Ini ndikati, "Tswanda inezvibereko zvezhizha." Zvino Jehovha akati kwandiri, "Kuguma kwasvikira vanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Amosi, unooneiko?” Ini ndikati, “Tswanda ine zvibereko zvezhizha.” Zvino Jehovha akati kwandiri, “Kuguma kwasvikira vanhu vangu VaIsiraeri, handichatongovadarikizve.