Amos 8:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaʋirisa zuʋa masikati makuru, ndicaisa rima panyika aciri masikati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTENZI Mwari, “Pazuva iroro, ndichadokesa zuva ari masikati machena, pasi pagoti svi-i kusviba masikati machena chaiwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.
Shona 2009?
Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva iroro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.