Amos 9:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaʋona Ishe amire parutiʋi rweartari, akati: Roʋa misoro yembiru, kuti ɀikumbaridzo ɀiɗeɗere, uɀiputsanye pamisoro yaʋo yose; ndicaʋuraya wokupedzisira pakati paʋo nomunondo; hakuna‐nomumŋe waʋo ucatiza, hakuna‐nomumŋe waʋo ucapukunyuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati, “Rova misoro yembiru kuti zvikumbaridzo zvizunguzike. Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose; avo vachasara ndichavauraya nomunondo. Hapana kana mumwe chete achatiza, hapana achapunyuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaona TENZI amire paatari, akati, “Bhogomora zvapamusoro pembiru kudzamara kamba kapamusuo wokupinda muTemberi kava kuzunguzika uzviti mwarara pamusoro pavo vose. Vamwe vavo vanenge vasara, ndichavarakatisa kufa rufu rwepfumo pasina kana mumwe wavo anotiza kana mumwe wavo anopapunyuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakaona Ishe amire parutivi rwearitari, akati, “Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.
Shona 2009?
Ndakaona Ishe amire parutivi rwearitari, akati, "Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakaona Ishe amire parutivi rweatari, akati, “Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.