Amos 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — murimi ucaɓata muceki, nomuȿini wemizambiriŋga ucaɓata unodɀara mbeu; makomo acaɗonha waini inozipa, ʋuye ɀikomo ɀose ɀicanyauka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mucheki paachapfuurwa nomurimi, uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa. Waini itsva ichadonha kubva kumakomo, uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTENZI, “Chionai, mazuva ari kuuya, okuti kurima kuchasvika kukohwa kusati kwapera uye okusima magirepisi wokuasvina asati apedza. Makomo achajuja waini inonaka nezvikomo zvose zvichayerera waini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarirai, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha “Murimi achabata mucheki, nomusvini wemidzambiringa achabata anodyara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
Shona 2009?
"Tarirai, mazuva anouya," ndizvo zvinotaura Jehovha "Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodzvara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarirai, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha “Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodyara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.