Amos 9:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicadzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋacaʋaka maguta akaparadzwa, ʋacigara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, ʋacinwa waini yayo; ʋacarima ʋo mimŋe minda, ʋacidya ɀiɓereko ɀayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri; vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari. Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo. Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichadzosera vanhu vangu vaIsiraeri zvose zvavaiva nazvo. Maguta avo akanga aparadzwa, vachaavakazve vakatoagara. Vachasima zvavo minda yamagirepisi, vachitozonwa, waini yayo. Vachaitawo mapindu, vagodya muchero yawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemidzambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
Shona 2009?
"Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachimwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu VaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.