Amos 9:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhai, imi ʋana ʋaIsraeri, ko hamuzi kwandiri saʋana ʋeEtiopia here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Handizi’ni ndakaɓuɗisa Israeri panyika yeEgipita here, naʋaFiristia paKaftori, naʋaSiria paKiri here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nhai imi vaIsraeri, ko, hamuzi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here, vaFiristia kubva kuKafitori navaAramu kubva kuKiri?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTENZI, “Nhaimi vanhu veIsiraeri, izvozvi kwandiri ini, munoti makasiyana nhai navaItiopia. Handisini ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti here? Handisirini ndakaburitsa vaFirisitia kuKafutori, navaSiria kuKiri here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nhai, imi vana vaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?
Shona 2009?
"Nhai, imwi vana vaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?
Shona SUB 2002 Bible
“Nhai, imi vana VaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?