Colossians 1:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinofara pakutambudzika kwaŋgu nokuɗa kwenyu, ndicizadzisa panyama yaŋgu ɀakasara pamaɗambudziko aKristu, nokuɗa kwomuʋiri wake, iyo kereke;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano;
Shona 2009?
Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamatambudziko aKristu, nokuda komuviri wake, iyo kereke;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamatambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano;