Colossians 1:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai uye tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya uye nokunzwisisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka nesuo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya;
Shona 2009?
Saka nesuvo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kose komeya;
Shona SUB 2002 Bible
Saka nesuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya;