Colossians 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutoŋgai paɀokudya, kana ɀokunwa, kana nokuɗa kwomusi womutambo, kana pakugara kwomŋedzi, kana pasaɓata;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata;
Shona 2009?
Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokumwa, kana nokuda komusi womutambo, kana pakugara komwedzi, kana pasabata;
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata;