Colossians 2:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutorerai muɓairo wenyu namaʋune, nokuɀininipisa nokunamata ʋatumŋa, aciʋimba neɀaakaʋona, aciɀikudza pasina nokufuŋga kwenyama,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musabvumire munhu kuti akutii hamukodzeri pamusana pokuvavaridza panyaya dzokuzvirwadzisa kana kunamata vatumwa achiti anoona zviratidzo achinyunduma zvisina musoro nepfungwa dzamanyawi chete asingasimbi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu ngaarege kuvapo anokutorerai mubayiro wenyu namawune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakaona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,
Shona 2009?
Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,
Shona SUB 2002 Bible
Munhu ngaarege kuvapo anokutorerai mubairo wenyu namawune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakaona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,