Colossians 2:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana makafa pamŋe cete naKristu kuneɀokuʋamba ɀenyika, munoɀiisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, munozviisa pasi pemitemo yayo here inoti:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana makafa pamwechete naKristu kunezvemweya yenyika munogarirei sokunge muri venyika, munozviisirei pasi pemitemo inoti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana makafa pamwechete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirayiro, somugere munyika,
Shona 2009?
Zvino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana makafa pamwechete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika?