Colossians 2:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinhu ɀakaɗai ɀakaita seɀinoʋucenjeri, pakunamata Mŋari nokuɗa kwaʋo, nokuɀininipisa, nokutambudza muʋiri; asi haɀinesimba rokukunda kuciʋa kwenyama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokubata kwavo muviri kwakaipa, asi havakoshesi kudzivisa kuchiva kwomuviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvinotarisika soungwaru mukuzviomesera kwavanoita pakunamata kwavo vachizvininipisa uye kuzvirwadzisa kwavanoita muviri asi zvisina chazvinobatsira pakudzora munhu pahavi dzomuviri wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinhu zvakadai zvakaita sezvino uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.
Shona 2009?
Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.
Shona SUB 2002 Bible
Zvinhu zvakadai zvakaita sezvino uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.