Colossians 2:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunyaŋge ndisi’po panyama, ndiri’po nemi pamŋeya, ndinofara ndiciʋona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu munaKristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kunyange ndisipo pamuri mumweya uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kunyange zvangu ini mbune ndisiko ikoko asi ndinemi mumwoyo, ndichifarira kuona kuzvibata kwenyu nokusimbarara kwechitendero chenyu muna Kristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu.
Shona 2009?
Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemwi pamweya, ndinofara ndichivona kunzwana kwenyu, nokusimba kokutenda kwenyu munaKristu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kunyangwe ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu.