Colossians 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
apo hapana‐muGiriki nomuJuda, kudziŋgiswa nokusadziŋgiswa, mutorwa nomuSitia, musuŋgwa nowakasunuŋguka; asi Kristu ndiye ɀose, ʋuye uri munaʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingisa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose.
Shona 2009?
apo hapana muGiriki nemuJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, musungwa kana wakasununguka;asi Kristu ndiye zvose, uye uri munavose.
Shona SUB 2002 Bible
apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose.