Colossians 3:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muitirane mŋoyo murefu, mucikaŋganwirana, kana munhu anemhoȿa nomumŋe; Ishe seɀaakakukaŋganwirai, muite saiɀoɀo nemi ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.
Shona 2009?
muitirane moyo murefu, muchikangamwirana, kana munhu anemhosva nomumwe; Kristu sezvaakakukangamwirai, muite saizvozvo nemivo.
Shona SUB 2002 Bible
muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.