Colossians 3:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye ɀose ɀamunoita, kana ɀiri ɀeshoko kana ɓasa, itai ɀose nezita raShe Jesu, muciʋoŋga Mŋari Ƃaɓa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiri chose chamunoita, kungave kutaura kana kuita, zviitei muzita raTenzi Jesu, muchitsvitsirwa naye kutenda kwenyu kuna Baba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raIshe Jesu, muchivonga Mwari baba naye.
Shona 2009?
uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.
Shona SUB 2002 Bible
uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raIshe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.