Colossians 3:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaranda, tererai paɀinhu ɀose ʋatenzi ʋenyu panyama; regai kuɓata pamberi pameso aʋo, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi nomŋoyo wakarurama mucitya Ishe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi varanda teererai muna zvose vanhu vanenge vari vatenzi venyu pasi pano, kwete zvokubata vanhu kumeso savanhu vokungoda kufadza vanhu. Zviitei nomwoyo mumwechete mutye Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata basa pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomwoyo wakarurama muchitya Ishe.
Shona 2009?
Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomoyo wakarurama muchitya Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata basa pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomwoyo wakarurama muchitya Ishe.