Colossians 3:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muciziʋa kuti mucapiwa naShe muɓairo wenhaka; nokuti munoɓatira Ishe Kristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
sezvamunoziva kuti muchagamuchira nhaka somubayiro wenyu, nokuti Tenzi Kristu ndiye wamuri kushandira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
muchiziva kuti muchapiwa naIshe mubayiro wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
Shona 2009?
muchiziva kuti muchapiwa naShe mubairo wenhaka; nokuti munobatira Ishe Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
muchiziva kuti muchapiwa naIshe mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.