Daniel 1:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucinda waʋaranda akati kunaDanieri: Ndinotya ishe waŋgu mambo, wakaraira ɀamunofanira kudya nokunwa; nokuti ucaʋonereiko ɀiso ɀenyu ɀakawonda kupfuʋura ɀamajaya ezero renyu? Kana ɀakaɗaro mucaparisa musoro waŋgu mhoȿa kunamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukuru wavayuniki iyeyo akati kuna Dhanieri, “Chandinotya ndechokuti dai changamire wangu, ivo mambo, vakatema kuti imi mupiwe chokudya nechokunwa chenyu vazokuonai imi mapera kwazvo muviri masiyana nevechidiki vezera renyu. Ipapo mungatondidimurisa musoro namambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchinda wavaranda akati kuna Dhanieri, “Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo.”
Shona 2009?
" Muchinda wavaranda akati kuna Dhanyeri, "Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokumwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo."
Shona SUB 2002 Bible
Muchinda wavaranda akati kuna Dhanieri, “Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo.”