Daniel 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ari majaya awa manna, Mŋari wakaʋapa ziʋo nokuŋgwara pamagwaro ose noʋucenjeri bgose; asi Danieri wakaŋga acigona kunzwisisa ɀose ɀairatidzwa naMŋari neɀairotwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Majaya iwaya ari mana kudaro, Mwari, akaapa ruzivo nounyanzvi hwezvezvinyorwa zvose noungwaru uye Dhanieri ainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.
Shona 2009?
Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanyeri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.