Daniel 1:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe akaisa Jehoiakimi mambo waJuda muruʋoko rwake, pamŋe cete nedzimŋe nhumbi dzeimba yaMŋari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamŋari wake, akaisa nhumbi muimba yokuceŋgeta fuma yamŋari wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akabva aita kuti Jehoyakimu mambo wokwaJudha akurirwe atorerwe mimwe midziyo yomuTemberi yaMwari. Nebhukadhineza akaenda nazvo kunyika yeShinari kuTemberi yake akarongedza midziyo iyoyo mumba maichengeterwa zvinhu zvamwari wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta pfuma yamwari wake.
Shona 2009?
Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta fuma yamwari wake.
Shona SUB 2002 Bible
Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta pfuma yamwari wake.