Daniel 1:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamashoko ose oʋucenjeri nookunzwisisa, aʋaivunzwa namambo, wakawana kuti iʋo ʋaipfuʋura kagumi ʋacenjeri ʋose neŋaŋga dzose dzaiʋa paʋushe bgake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi n'anga dzose navanhu vose muumambo hwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panyaya yose yose zvayo painge pava kutsvakwa ungwaru nouchenjeri pazvinhu zvavainge vabvunzwa namambo, mambo aiona kuti vaiva vari nani zvokutopeta kagumi vamapipi kana vamaminimini vaiva munyika dzose dzoumambo hwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake.
Shona 2009?
Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen'anga dzose dzaiva paushe hwake.
Shona SUB 2002 Bible
Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen'anga dzose dzaiva paushe hwake.