Daniel 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Danieri wakaɀisuŋga mumŋoyo make kuti haaŋgaɀiȿiɓisi neɀokudya ɀamambo kana newaini yaainwa; saka wakakumbira kunomucinda waʋaranda kuti arege kuɀiȿiɓisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Dhanieri akazviti nechomumwoyo handimboda zvangu kuzvin'oresa nechokudya chamambo chakanakisisa kana newaini yaanonwa. Naizvozvo akakumbira muyuniki mukuru kuti amubvumire zvake kusazvin'oresa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Dhanieri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin’orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin’oresa.
Shona 2009?
Asi Dhanyeri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin'orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaaimwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin'oresa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Dhanieri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin'orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin'oresa.