Daniel 10:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo tarira, mumŋe wakafanana naʋanakomana ʋaʋanhu akagunɀa miromo yaŋgu; ɀino ndikashamisa muromo waŋgu, ndikataura, ndikati kunaiye wakaŋga amire pamberi paŋgu: Haiwa, ishe waŋgu, ndaɓatwa nokutya kukuru, handicinesimba nokuɗa kweɀandakaratidzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mumwe akanga akafanana nomunhu akabata muromo wangu, ini ndikashamisa muromo wangu ndokutanga kutaura. Ndakati kuno wakanga amire pamberi pangu, “Ini ndabatwa nokurwadziwa nokuda kwechiratidzo, ishe wangu, uye ndapererwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokubva mumwe akaita sevanakomana vavanhu andigunzva miromo. Ndakashamisa muromo ndikataura kune uya akanga amire pamberi pangu kuti, “Changamire chiratidzo chiya ichi chakonzera kuti ndive nokurwadziwa kwandava nako handichisina simba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, ‘Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa.
Shona 2009?
Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, `Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, ‘Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa.