Daniel 10:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Iwe murume unoɗikanwa kwaɀo, usatya hako; rugare ruʋe newe, iʋa nesimba, iʋa nesimba. Ɀino wakati acitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati: Ishe waŋgu ŋgaataure hake, nokuti makandisimbisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Usatya, iwe munhu anokudzwa zvikuru. Rugare! Iva nesimba zvino, simba.” Paakataura neni, ndakabva ndasimba ndikati, “Taurai Ishe wangu, sezvo mandipa simba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Nhaiwe, munhu wapamwoyo chaiyechaiye, usatye, rugare ngaruve newe. Shinga utsunge mwoyo.” Paakataura kwandiri ndakabva ndasimbaradzwa ndokubva ndati, “Changamire chiregai nditaure nemi nokuti mandisimbaradza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, ‘Iwe murume anodikanwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.’ Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, ‘Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.’
Shona 2009?
Akati, `Iwe murume anodikamwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.' Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.'
Shona SUB 2002 Bible
Akati, ‘Iwe murume anodikanwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.’ Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, ‘Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.’