Daniel 10:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muʋiri wake wakaŋga wakaita seberiri, ciso cake cakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maʋoko ake netsoka dzake ɀakaŋga ɀakafanana nendarira yakakweshwa, ʋuye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwaʋazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muviri wake wakanga wakaita sekirisoreti, chiso chake chichipenya semheni, meso ake aipfuta somwenje, maoko ake namakumbo ake zvichivaima sendarira yakakweshwa, uye inzwi rake rakafanana nomutinhiro wavazhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muviri wake wakanga wakaita samatombo ebheriri uso hwake huchiita semheni, maziso ake achingarikira somwenje womoto, maoko ake namakumbo achivaima sendarira yakakwenenzverwa ruzha rwezvaaitaura ruchiita semhomho yavanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible