Daniel 10:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ini Danieri ndakaʋona iɀo ɀakaratidzwa ini ndoga; nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaneni haʋana‐kuʋona ɀakaratidzwa; asi ʋakaɓatwa nokuɗeɗera kukuru, ʋakatiza kundoʋanda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini, Dhanieri, ndini ndoga chete ndakaona chiratidzo; varume vakanga vaneni havana kuchiona, asi kutyisa kwakadai kwakavavhundutsa zvokuti vakatiza vakandovanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iyeni Dhanieri ndoga ndini ndakaona chiratidzo ichocho nokuti varume vandaiva navo havana kuona chiratidzo ichocho. Asi vakapindwa nokudedera kukuru kwazvo vakatiza kundohwanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ini Dhanieri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda.
Shona 2009?
"Zvino ini Dhanyeri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ini Dhanieri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda.